Proverbs 5

Yambiro pamusoro poUpombwe

1Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu,
teereresa kumashoko angu oungwaru,
2kuti ugare wakachengeta kungwara
uye kuti miromo yako ichengetedze zivo.
3Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi,
nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta;
4asi pakupedzisira anovava senduru,
anopinza somunondo unocheka namativi ose.
5Tsoka dzake dzinoenda kurufu;
nhambwe dzake dzinonanga kuguva.
6Haafungi pamusoro penzira youpenyu;
nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi.
7Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei;
musatsauka pane zvandinotaura.
8Fambai nenzira iri kure naye,
musasvika pedyo nomusuo wemba yake,
9kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu,
uye namakore enyu kuno uyo ane utsinye,
10kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu,
uye kushanda kwenyu nesimba kurege kupfumisa imba yomumwe munhu.
11Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera,
kana nyama nomuviri wako zvaparadzwa.
12Uchazoti, “Mavengero andaiita kurayirwa!
Mashorero aiita mwoyo wangu kudzorwa!
13Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu,
kana kunzwa varairidzi vangu.
14Ndasvika pakuparara chaiko
pakati peungano yose.”

15Inwa mvura pachirongo chako chaicho,
mvura inoerera patsime rako chairo.
16Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here;
nzizi dzako dzemvura pazvivara?
17Ngadzive dzako woga,
hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa.
18Tsime rako ngariropafadzwe,
uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.
19Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka,
mazamu ake ngaakufadze nguva dzose,
ugare uchigutswa norudo rwake.
20Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve?
Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?

21Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha,
uye anoongorora nzira dzake dzose.
22Zviito zvakaipa zvomunhu akaipa zvichamusunga;
tambo dzechivi chake dzichamubata iye kwazvo.
23Achafa nokuda kwokushayiwa kuzvibata kwake,
atsauswa noupenzi hwake hukuru.
Copyright information for SnaBDSC